Psalms 109

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza,
regai kunyarara,
2nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo;
vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.
3Vakandikomba namashoko okuvenga;
vanorwa neni pasina mhosva.
4Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva,
asi ini ndiri munhu wokunyengetera.
5Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka,
uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye;
mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.
7Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva,
uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.
8Mazuva ake ngaave mashoma;
mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.
9Vana vake ngavave nherera,
uye mukadzi wake ave chirikadzi.
10Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira;
ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.
11Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo;
vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.
12Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni
kana kunzwira tsitsi nherera dzake.
13Zvizvarwa zvake ngazvirove,
mazita avo adzimwe parudzi runotevera.
14Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha;
chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.
15Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha,
kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

16Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka,
asi akavhima varombo kusvika parufu,
vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.
17Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake;
iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.
18Aifuka kutuka senguo yake;
zvakapinda mumuviri wake semvura,
nomumapfupa ake samafuta.
19Ngazvive sejasi rakamonerwa paari,
sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.
20Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu,
kuna avo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.

21Asi imi, Ishe Jehovha,
ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu;
ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.
22Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa,
uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.
23Ndinopera somumvuri wamadekwana;
ndinozunzwa semhashu.
24Mabvi angu apera simba nokutsanya;
muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.
25Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu;
pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.

26Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu;
ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.
27Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu,
kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.
28Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza;
vachanyadziswa pavanorwisa,
asi muranda wenyu achafara.
29Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi,
uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.

30Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru;
paungano huru, ndichamurumbidza.
31Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa,
kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.
Copyright information for SnaBDSC